VaEfeso 1 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kwaziso

1Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, kuvatsvene vari paEfeso, nokuna vanotenda muna Kristu Jesu:

2Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari; baba vedu, naIshe Jesu Kristu.

Makomborero ari muna Jesu Kristu, Musoro weSangano

3Ngaavongwe Mwari naBaba vaIshe wedu Jesu Kristu, akatiropafadza nokuropafadza kwose kwoMweya, kudenga muna Kristu,

4sezvaakatitsanangura maari nyika isati yavambwa, kuti tive vatsvene, vasina mhosva, pamberi pake murudo;

5akatitemera kare, kuti naJesu Kristu tiitwe vanakomana vake, sezvaakafadzwa pakuda kwake,

6kuti kunaka kukuru kwenyasha dzake dzakangotipa hake muMudikanwi wake, kurumbidzwe;

7uyo watine dzikinuro maari neropa rake, iko kukanganwirwa kwokudarika kwedu, nokuwanda kwenyasha dzake;

8dzakawanza kwatiri nokuchenjera kwose nokuziva;

9akatizivisa zvakavanzika zvokuda kwake, sezvaakafadzwa pakufunga kwake maari;

10kuti afambise kuzara kwenguva, aunganidzwe muna Kristu zvose zviri kudenga, nezviri pasi;

11muna iye, watakaitwawo nhaka maari, yatakatemerwa kare nokurayira kwaiye, anoita zvose nokufunga kwokuda kwake;

12kuti tirumbidze kubwinya kwake, isu takatarira kare muna Kristu;

13muna iye, nemiwo, makanzwa shoko rechokwadi maari, iyo Vhangeri yokuponeswa kwenyu; muna iye, wamakatenda kwaari, mukaisirwa chisimbiso noMweya Mutsvene wamakapikirwa;

14uri rubato rwenhaka yedu, kuratidza kudzikinurwa kwavanhu vaMwari chaivo, kuti kubwinya kwake kurumbidzwe.

15Saka neniwo, ndakati ndanzwa kutenda muna Ishe Jesu kuri pakati penyu, norudo kuvatsvene vose,

16handiregi kuvonga pamusoro penyu, ndichikurangarirai paminyengetero yangu;

17kuti Mwari waIshe wedu Jesu Kristu, Baba vokubwinya kukuru, akupei mweya wokuchenjera nowokuzarurirwa pakumuziva;

18mavhenekerwa meso omwoyo wenyu, kuti muzive kuti kudana kwake kune tariro yei, nepfuma yokubwinya kwenhaka yake pakati pavatsvene,

19noukuru hwakapfuurisa hwesimba rake kwatiri isu tinotenda, nokubata kwesimba rake guru,

20raakabata muna Kristu, achimumutsa kuvakafa, nokumugarisa kurudyi rwake kudenga,

21kumusoro-soro kwamadzishe ose, noukuru, nesimba, noushe, namazita ose anorehwa, pasati pari panyika ino bedzi, asi pane inozouyawo;

22akaisa zvose pasi petsoka dzake, akapa sangano iye, kuti ave musoro wazvose,

23ndiwo muviri wake kuzara kwaiye anozadzisa zvose muna vose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help