1Hareruya!
Ndichavonga Jehovha nomwoyo wangu wose,
Parangano yavakarurama, napaungano.
2Mabasa aJehovha makuru,
Anocherechedzwa navose vanoafarira.
3Basa rake rinoratidza kukudzwa noumambo;
Kururama kwake kunogara nokusingaperi.
4Mabasa ake, anoshamisa, wakaaita chiyeudziro;
Jehovha anenyasha netsitsi.
5Akapa zvokudya vanomutya;
Acharangarira sungano yake nokusingaperi.
6Akaratidza vanhu vake simba ramabasa ake,
Zvaakavapa nhaka yavahedheni.
7Mabasa amaoko ake izvokwadi
nokururamisira;
Mirairo yake yose yakasimba.
8Yakasimbiswa nokusingaperi-peri,
Yakaitwa nezvokwadi nokururama.
9Akatumira vanhu vake rudzikinuro;
Akaraira sungano yake nokusingaperi;
Zita rake idzvene rinotyisa.
10Kutya Jehovha ndiko kutanga kwouchenjeri;
Vose vanozviita vanomurangariro wakanaka;
Kurumbidzwa kwake kunogara nokusingaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.