Kuungudza KwaJeremiya 2 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kutonga kwaJehovha pamusoro peJerusaremu

1Ishe akafukidza sei mukunda

weZioni negore rokutsamwa kwake!

Akabvisa kunaka kwaIsiraeri akazvikandira pasi,

akasarangarira chitsiko chake nezuva

rokutsamwa kwake.

2Ishe akaparadza ugaro hwose

hwaJakobho, akasanzwira tsitsi;

pakutsamwa kwake akawisira pasi

nhare dzomukunda waJudha;

akadziwisira pasi;

akamhura ushe namachinda ahwo.

3Nokutsamwa kukuru akagura nyanga

dzose dzaIsiraeri;

akadzosa ruoko rwake rworudyi

pamberi pomuvengi,

akapisa munaJakobho somurazvo womoto

unopedza zvose kumativi ose.

4Akakunga uta hwake somuvengi,

akamira noruoko rwake somudzivisi,

akauraya vose vaifadza meso;

akadurura kutsamwa kwake somoto

patende romukunda weZioni.

5Ishe wava somuvengi,

akamedza Isiraeri;

akamedza dzimba dzavo dzose dzoushe,

akaparadza nhare dzavo;

akawanzira mukunda waJudha kuchema nokurira.

6Akabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda;

akaparadza nzvimbo yake yokuungana;

Jehovha akakanganwisa paZioni

ungano yakatarwa neSabata,

akashora madzimambo navapristi

neshungu dzokutsamwa kwake.

7Jehovha akarasa atari yake,

akasema nzvimbo yake tsvene,

akaisa masvingo edzimba dzavo

dzoushe mumaoko omuvengi;

vakaita bope mumba maJehovha,

sapazuva reungano yakatarwa.

8Jehovha akafunga kuparadza

rusvingo rwomukunda weZioni;

akatatanura rwonzi rwokuyera,

haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza;

akachemedza nhare norusvingo,

zvinopera simba pamwechete.

9Masuo aro akanyura pasi,

akaparadza nokuvhuna zvipfigiso zvaro;

mambo waro namachinda aro vari

pakati pamarudzi asina murayiro.

Zvirokwazvo vaporofita varo havana

zvavanoratidzwa naJehovha.

10Vakuru vomukunda weZioni vagere pasi,

vanoramba vanyerere;

vakakushira guruva pamisoro yavo,

vakazvisunga zviuno namasaga;

mhandara dzeJerusaremu

dzakakotamisa misoro yadzo pasi.

11Meso angu apera nemisodzi,

mwoyo wangu unotambudzika;

chiropa changu chadururirwa pasi,

nemhaka yokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu,

nokuti vanana navanoyamwa vanoziya munzira dzomuguta.

12Vanoti kuna madzimai avo,

“Zviyo newaini zviripiko?”

Vachingoziya munzira dzomuguta savakakuvadzwa,

mweya yavo ichidururirwa pachipfuva chamadzimai avo.

13Ndichakupupureiko?

Ndichakufananidza nei,

iwe mukunda weJerusaremu?

Ndichakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze,

iwe mhandara mukunda weZioni?

Nokuti pawakaparadzwa pakakura segungwa,

ndiani achakuporesa?

14Vaporofita vako vakakuonera zviratidzo

zvenhema nezvoupenzi;

havana kubudisa zvakaipa zvako,

kuti vadzose kutapwa kwako,

asi vakakuonera zvirevo zvenhema nezvinokutapisa.

15Vose vanopfuura vachaita nondo

pamusoro pako,

vanoridza muridzo nokudzungudzira

mukunda weJerusaremu misoro yavo,

vachiti, “Ko ndiro guta rainzi navanhu

rakanaka‐naka kwazvo, mufaro wenyika yose?”

16Vavengi vako vose vakakushamisira miromo yavo;

vanoridza muridzo nokugeda‐geda meno,

vanoti, “Tariparadza; zvirokwazvo ndiro

zuva ratakanga takatarira;

tariwana, tariona.”

17Jehovha akaita izvo zvaakafunga,

akapedzisa shoko rake raakaraira pamazuva akare;

akawisira pasi, akasava netsitsi;

akafadza muvengi pamusoro pako,

akasimudza runyanga rwavadzivisi vako.

18Mwoyo yavo yakadana kuna Ishe.

Iwe rusvingo rwomukunda weZioni,

misodzi ngaiyerere sorwizi masikati nousiku,

usazorora, mboni yeziso rako isarega kuchema.

19Muka, danidzira usiku,

pakutanga kwenguva dzose;

durura mwoyo wako semvura pamberi paJehovha;

simudzira maoko ako kwaari nokuda

kwoupenyu hwavana vako,

vanoziya nenzara pakuvamba

kwenzira imwe neimwe yomuguta.

20Tarirai, Jehovha, muone vamakaitira zvakadai!

Ko vakadzi vangadye zvibereko zvavo,

ivo vana vari pamaoko here?

Ko vapristi navaporofita vangaurawe

panzvimbo tsvene yaishe here?

21Majaya navatana vavete pasi munzira dzomuguta;

mhandara dzangu namajaya angu vaurawa nomunondo;

makavauraya nezuva rokutsamwa kwenyu,

makavabaya, hamuna kuvanzwira tsitsi.

22Makadaidza zvinondityisa pamativi ose,

sapazuva reungano yakatarwa;

hakuna akapukunyuka kana akasara

pazuva rokutsamwa kwaJehovha;

vandakabata mumaoko navandakarera

vapedzwa nomuvengi wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help