Hosea 13 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jehovha anoraira Isiraeri pamusoro pokutsauka kwavo

1Efuremu vakati vachitaura, kudedera kukavapo; vakazvikudza pakati paIsiraeri; asi akati apara mhaka naBhaari, akafa.

2Asi zvino vanongoramba vachiwedzera zvivi zvavo, vakazviitira zvifananidzo zvakaumbwa nesirivha yavo, zviri zvifananidzo zvenjere dzavo, zvose zviri basa remhizha; zvino vanoti pamusoro pazvo, “Vanobayira mhuru ngavadzisvete.”

3Saka vachaita semhute yamangwanani, sedova rinokurumidza kunyangarika, sehundi inopepereswa nechamupupuri paburiro, soutsi hwechoto hunobuda napaburi.

4“Kunyange zvakadaro ndini Jehovha Mwari wako kubva panyika yeIjipiti; hamuzivi mumwe mwari asi ini, hakuna mumwe muponesi kunze kwangu.

5Ndakakuzivai murenje, munyika yakaoma kwazvo.

6Zvavakapiwa mafuro akanaka, vakaguta; vakaguta, mwoyo yavo ikazvikudza, naizvozvo vakandikanganwa.

7Saka ndava kwavari seshumba, ndichavagarira panzira sengwe;

8ndicharwa navo sebere rakatorerwa vana varo, ndichatsemura chifukidziro chomwoyo wavo; ndichavadyirapo seshumbakadzi; zvikara zvichavabvamburanya.

9“Ndizvo zvichakuparadzai, imi Isiraeri, zvamunorwa neni, ini mubatsiri wenyu.

10Ko zvino mambo wenyu aripi, akuponesei mumaguta enyu ose? Ko vatongi venyu varipi, vamaiti, ‘Tipei mambo namachinda?’

11Ndakakupai mambo pakutsamwa kwangu, ndikamubvisazve nehasha dzangu.

12“Zvakaipa zvaEfuremu zvakasungwa pamwechete, zvivi zvake zvakachengetwa.

13Kurwadziwa kwomukadzi anosurumuka kuchasvika kwaari; iye mwanakomana asine njere; nokuti kana nguva ichisvika, haaswederi pakuzvarwa.

14Ndichavadzikinura pasimba reSheori, ndichavadzikinura parufu. Aiwa, rufu, hosha dzako dziripiko? Aiwa, Sheori, kuparadza kwako kuripi? Kuzvidemba hakungaonekwi nameso angu.

15Kunyange akabereka zvibereko pakati pehama dzake, mhepo yokumabvazuva ichasvika, iri mhepo yaJehovha inobva kurenje; chitubu chake chichapwa, tsime yenhumbi dzose dzinodikanwa.

16“Samaria richava nemhosva yaro, nokuti vakamukira Mwari wavo; vachaparadzwa nomunondo, vacheche vavo vachaputsanyiwa, vakadzi vavo vane mimba vachatumburwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help