2 Timoti 4 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Timoti ngaatsungirire pakuparidza

1Ndinokupupurira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, iye achatonga vapenyu navakafa pakuonekwa kwake noushe hwake;

2paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; rayira, tuka, ranga nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa.

3Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachazviunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo,

4vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitsaukira kungano.

5Asi iwe svinura pazvinhu zvose, tambudzika, bata basa romuvhangeri, upedzise basa rako kwazvo.

6Nokuti ini ndotodururwa, nguva yokuenda kwangu yasvika.

7Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza rwendo rwangu, ndakachengeta kutenda;

8kubva zvino ndakachengeterwa korona yokururama, yandichapiwa naIshe, Mutongi wakarurama, nezuva irero; ndisini ndoga, asi navose vakada kuonekwa kwake.

Mashoko okupedzisira

9Shingaira kuti ukurumidze kuuya kwandiri.

10Nokuti Dhemasi akandisiya, akada nyika yazvino, akaenda Tesaronika; Kiresenzi akaenda Garatiya, naTito akaenda Dharimatia.

11Ruka oga aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo pabasa.

12Asi Tikiko ndakamutuma Efeso.

13Nguo yandakasiya paTiroa kuna Karipo, uuye nayo pakuuya kwako, nebhuku, zvikuru magwaro amatehwe.

14Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji; Ishe achamutsiva paakaita napo;

15newewo umuchenjere, nokuti akadzivisa zvikuru mashoko edu.

16Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga kwakanga kusina munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kuravirwa izvozvi.

17Asi Ishe akamira neni, akandisimbisa, kuti ndipedzise kwazvo kuparidza kwangu, vahedheni vose vanzwe; ndikarwirwa pamuromo weshumba.

18Ishe achandirwira pamabasa ose akaipa, achandiponesa ndipinde ushe hwake hwokudenga; kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni.

19Ndikwazisirei Pirisika naAkwira, neimba yaOnesiforo.

20Erasito akasara paKorinde, asi Tirofimo ndakamusiya paMireto achirwara.

21Shingaira kuuya, chando chisati chasvika. Yubhuro, naPudhe, naRino, naKiraudhiya nehama dzose vanokukwazisa.

22Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help