1Ndakafara panguva yavakati kwandiri,
“Hendei kumba kwaJehovha.”
2Tsoka dzedu dzimire
Pakati pamasuo ako, Jerusaremu;
3Jerusaremu, iwe wakavakwa
Seguta rakasanganiswa zvakanaka;
4Ndiko kunokwira ndudzi, ndudzi dzaJehovha,
Sezvakarairwa Isiraeri,
Kuti vavonge zita raJehovha.
5Nokuti ndiko kwakagadzwa zvigaro zvokutonga,
Zvigaro zvoushe zveimba yaDhavhidhi.
6Kumbirirai Jerusaremu rugare;
Vanokudai, vachakomborerwa.
7Rugare ngaruve mukati
mamasvingo ako,
Nokufarikana mukati medzimba dzako dzohushe.
8Nokuda kwehama dzangu neshamwari dzangu,
Ndichati zvino,
“Rugare ngaruve mukati mako.”
9Nokuda kweimba yaJehovha Mwari wedu
Ndichakutsvakira zvakanaka.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.