Mapisarema 147 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Rumbidzai Jehovha nokuti ngoni dzake dzinoonekwa pose-pose

1Hareruya!

Nokuti zvakanaka kuti Mwari

wedu aimbirwe nziyo dzokurumbidza;

Zvinofadza, uye kurumbidza kwakafanira.

2Jehovha anovaka Jerusaremu;

Anounganidza vakadzingwa vaIsiraeri.

3Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,

Anosunga mavanga avo.

4Anotara kuwanda kwenyeredzi;

Anodzipa dzose mazita adzo.

5Ishe wedu mukuru, anesimba guru;

Njere dzake hadziperi.

6Jehovha anobatsira vanyoro;

Vakaipa anovawisira pasi.

7Imbirai Jehovha muchimuvonga,

Imbirai Mwari wedu nziyo

dzokurumbidza nembira;

8Iye anofukidza denga namakore,

Anogadzirira pasi mvura,

Anomeresa uswa pamakomo.

9Anapa zvipfuwo zvokudya zvazvo,

Navana vamakunguo, anochema.

10Haafadzwi nesimba rebhiza;

Haafariri makumbo omurume.

11Jehovha anofara navanomutya,

Navanotarira ngoni dzake.

12Rumbidza Jehovha, iwe Jerusaremu;

Rumbidza Mwari wako, iwe Zioni.

13Nokuti wakasimbisa mazarira amasuo ako;

Akaropafadza vana vako mukati mako.

14Anoisa rugare panyika yako;

Anokugutisa nezviyo zvakaisvonaka.

15Anotuma mirairo yake panyika;

Shoko rake rinomhanya kwazvo.

16Anopa vanhu chando samakushe amakwai,

Anoparadzira chando samadota.

17Anokanda chimvuramabwe chake sezvimedu;

Ndianiko angamira pachando chake?

18Anotuma shoko rake, ndokuzvinyausa;

Anovhuvhutisa mhepo yake mvura ndokuyerera.

19Anozivisa Jakobho shoko rake,

NaIsiraeri mitemo yake nezvaakatonga.

20Haana kutongoitira rumwe rudzi saizvozvo;

Kana zviri zvaakatonga, havana kuzviziva.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help