Mapisarema 102 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kuchema kwomunhu ari pakutambudzika kukuru, asi anovimba naJehovhaMunyengetero weanotambudzika pakumanikidzwa kwake; anochema kwazvo pamberi paJehovha.

1Inzwai munyengetero wangu, Jehovha,

Kuchema kwangu ngakusvikire kwamuri.

2Regai kundivanzira chiso chenyu

pazuva rokutambudzika kwangu;

Rerekerai nzeve yenyu kwandiri;

Pazuva rokudana kwangu kurumidzai kundipindura.

3Nokuti mazuva angu anopera soutsi,

Mapfupa angu anotsva sechitsa.

4Mwoyo wangu warohwa souswa, waoma;

Nokuti ndinokanganwa kudya zvokudya zvangu.

5Nokuda kwezwi rokugomera kwangu

Mapfupa angu anonamatira nyama yangu.

6Ndafanana nehukurwizi yomurenje;

Ndava sezizi romumatongo.

7Handivati, ndafanana

Neshiri iri yoga pamusoro pedenga reimba.

8Vavengi vangu vanondituka zuva rose;

Avo vanondipengera vanonditukisa kwazvo.

9Nokuti ndakadya madota sezvokudya,

Ndikavhenganisa zvokunwa zvangu nemisodzi.

10Nokuda kwehasha dzenyu nokutsamwa kwenyu;

Nokuti makandisimudza mukandirasha.

11Mazuva angu akafanana nomumvuri wareba;

Ndaoma souswa.

12Asi imi Jehovha, muchavapo nokusingaperi;

Marudzi namarudzi achakurangarirai.

13Imi muchasimuka, mukanzwira Zioni ngoni;

Nokuti nguva yavapo yokurinzwira

tsitsi, zvirokwazvo, nguva,

yakatarwa, yasvika.

14Nokuti varanda venyu vanofarira mabwe aro,

Vanonzwira tsitsi guruva raro.

15Naizvozvo vahedheni vachatya zita raJehovha,

Namadzimambo ose apasi kubwinya kwenyu;

16Jehovha zvaakavaka Zioni,

Akaonekwa nokubwinya kwake;

17Akava nehanya nomunyengetero wavakakumurwa,

Akasazvidza munyengetero wavo.

18Izvi zvichanyorerwa rudzi runozouya;

Vanhu, vachazosikwa, vacharumbidza Jehovha.

19Nokuti wakatarira pasi ari

panzvimbo yake tsvene yakakwirira;

Jehovha akacherekedza nyika ari kudenga;

20Kuti anzwe kugomera kwomusungwa;

Kuti asunungure vana vorufu;

21Kuti vanhu vaparidze zita raJehovha paZioni,

Nokurumbidzwa kwake paJerusaremu;

22Kana marudzi avanhu aungana,

Noushe huzhinji, kuti vashumire Jehovha.

23Wakatapudza simba rangu panzira;

Wakafupisa mazuva angu.

24Ndakati, “Mwari wangu,

regai kundibvisa mazuva angu achigere kusvika;

Makore enyu anosvika kumarudzi namarudzi.”

25Makateya nyika kare-kare;

Nedenga rose ibasa ramaoko enyu.

26Zvichaparara izvo, asi imi muchagara muripo;

Zvirokwazvo, izvozvo zvose zvichasakara senguo;

Muchazvishandura sechisimiro, zvikashanduka;

27Asi imi hamushanduki,

Makore enyu haangavi nomugumo.

28Vana vavaranda venyu vachagara varipo,

Navana vavo vachasimbiswa pamberi penyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help