Mapisarema 52 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Akaipa ngaarege kuva namanyawi nokuti Jehovha anochengeta vanhu vake vakaruramaKumutungamiriri wokuimba. Rwiyo rweMashiri rwaDhavhidhi; panguva yakasvika Dhoegi muEdhomu akaudza Sauro, achiti, “Dhavhidhi asvika paimba yaAhimereki.”

1Unozvirumbidzireiko nezvakashata, iwe mhare?

Tsitsi dzaMwari dziripo misi yose.

2Rurimi rwako runofunga kutaura zvakaipa;

Rwakafanana nechisvo chinopinza,

ruchiita zvinonyengera.

3Unoda zvakaipa kupfuura zvakanaka;

Nokureva nhema kupfuura kutaura zvakarurama.

4Unoda mashoko ose okuparadza,

Iwe rurimi runonyengera.

5Mwari achakuparadzawo saizvozvo nokusingaperi,

Achakubata akakubvisa patende rako,

Nokukudzura panyika yavapenyu.

6Vakarurama vachazviona vakatya,

Vachamuseka, vachiti,

7“Tarirai, hoyu munhu asina kuita

Mwari nhare yake,

Asi akavimba nokuwanda kwepfuma yake,

Akazvisimbisa pazvakaipa zvake.”

8Asi kana ndirini, ndakafanana

nomuorivhi munyoro muimba yaMwari;

Ndinovimba netsitsi dzaMwari nokusingaperi-peri.

9Ndichakuvongai nokusingaperi, nokuti

ndimi makazviita;

Ndichamirira zita renyu pamberi pavatsvene

venyu nokuti rakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help