Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1Mudiwa wako akaendepiko,

Iwe, unopfuura vakadzi vose nokunaka?

Mudiwa wako wakaringirepiko,

Kuti timutsvake pamwechete newe?

2Mudiwa wangu wakadzira kumunda wake,

Kundima dzemiti inonhuwira,

Kufudza makwai ake muminda,

nokutanha maruva.

3Ini ndiri womudiwa wangu;

mudiwa wangu ndowangu;

Anofudza makwai ake pakati pamaruva.

Chikomba nomwenga vanorumbidzana

4Wakanaka, shamwari yangu saTiriza,

Wakanaka seJerusaremu,

Unotyisa sehondo ine mireza.

5Usanditarira nameso ako,

Nokuti andikunda.

Vhudzi rako rakafanana neboka rembudzi,

Dzinoburukira mujinga megomo reGireadhi.

6Meno aka akafanana neboka renhunzi dzamakwai,

Dzinobva pakushambwa;

Rimwe nerimwe radzo rina vana vaviri,

Hakuna rimwe risina mwana.

7Zvavovo zvako zvakafanana nebhande redamba

Pakutarira kwako pakati pechifukidzo chako.

8Vahosi vana makumi matanhatu

navarongo vana makumi masere variko,

Nemhandara dzisingaperi.

9Njiva yangu, akakwana wangu,

ndiye mumwe oga;

Ndiye mwana mumwe woga wamai vake;

Ndiye musanangurwa wowakamubereka;

Vakunda vakamuona, vakati akaropafadzwa;

Navahosi navarongo, vakamurumbidza.

10Ndianiko uyo anotarira samambakwedza,

Akanaka somwedzi,

Akachena sezuva,

Anotyisa sehondo ine mireza?

11Ndakaburukira kumunda wenzungu,

Kuti ndione miti mitema mumupata,

Kuti ndione kana mudzambiringa wotunga,

kana matamba otunga maruva.

12Ndisati ndazviziva, mweya wangu wakandiisa

Pakati pengoro dzavanhu vangu vakarurama.

13Dzoka, dzoka, Shuramiti;

Dzoka, dzoka, kuti tikutarire.

Munoda kutarira muShuramiti neiko,

Sezvamunotarira kutamba kweMahanaimi?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help