1Jehovha, Mwari muponesi wangu,
Ndakachema masikati nousiku pamberi penyu;
2Munyengetero wangu ngaupinde pamberi penyu;
Rerekerai nzeve yenyu munzwe kuchema kwangu;
3Nokuti mweya wangu uzere namadambudziko,
Upenyu hwangu hwoswedera kuSheori.
4Ndinoverengwa pamwechete navanoburukira kugomba;
Ndakafanana nomunhu anoshaiwa mubatsiri;
5Ndakarashirwa pakati pavakafa,
Savakaurawa vavete mubwiro,
Vamusati mucharangarira;
Vakagurwa paruoko rwenyu.
6Makandiisa mugomba rakadzika-dzika,
Panzvimbo dzine rima, makadzika kwazvo.
7Hasha dzenyu dzinorema kwazvo pamusoro pangu,
Makanditambudza namafungu enyu ose.
8Makaisa vazikani vangu kure neni;
Makandiita chinhu chinonyangadza kwavari;
Ndakapfigirwa, handigoni kubuda.
9Ziso rangu ropera nemhaka yokutambudzika;
Ndakadana kwamuri, Jehovha, zuva rimwe nerimwe,
Ndakatambanudzira maoko angu kwamuri.
10Mungaitira vakafa zvinoshamisa here?
Ko vakaparara vangamuka vakakurumbidzai here?
11Hunyoro hwenyu hungaparidzwa mubwiro here?
Kana kutendeka kwenyu mukuparadza here?
12Zvishamiso zvenyu zvingazikanwa murima here?
Nokururama kwenyu panyika yokukanganwa here?
13Asi ndakachema kwamuri, Jehovha,
Munyengetero wangu uchasvika
pamberi penyu mangwanani.
14Jehovha, munorashireiko mweya wangu?
Munovanzireiko chiso chenyu kwandiri?
15Kubva pauduku hwangu ndakanga
ndichitambudzwa ndichirwisofa;
Kana ndichityiswa nemi ndinoshaiwa mano.
16Kutsamwa kwenyu kukuru kwakapfuura
napamusoro pangu;
Kutyisa kwenyu kwakandiparadza.
17Zvakandikomberedza zuva rose semvura;
Zvakandipoteredza pamwechete.
18Iye, anondida, neshamwari yangu,
makavaisa kure neni,
Nomuzikani wangu ari murima.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.