2 Samueri 6 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Dhavhidhi anoisa areka Jerusaremu

1Zvino Dhavhidhi wakaunganidzazve varume vose vakanga vakatsaurwa vavaIsiraeri, vakanga vane zviuru zvina makumi matatu.

2Dhavhidhi akasimuka, akaenda navanhu vose vaakanga anavo, vachibva Bhaarijudha, kuti vatorepo areka yaMwari, panodanwa Zita, iro Zita raJehovha wehondo, ugere pamusoro pamakerubi.

3Vakaisa areka yaMwari pamusoro pengoro itsva, vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, Uza naAhiyo, vanakomana vaAbhinadhabhu, vakafambisa ngoro itsva.

4Vakaibvisa paimba yaAbhinadhabhu, yakanga iri pachikomo, ine areka yaMwari; Ahiyo akatungamirira areka.

5Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakaridza pamberi paJehovha zvinoridzwa zvamarudzi ose, zvomusiperesi, nembira, nemitengeranwa, nengoma, namatare, anoridzwa, namakandira.

6Zvino vakati vachisvika paburiro raNakoni, Uza ndokutambanudzira ruoko rwake kuareka yaMwari, akaibata, nokuti nzombe dzakanga dzogumburwa.

7Kutsamwa kwaJehovha kukamukira Uza, Mwari akamuuraya ipapo, nemhaka yokutadza kwake, iye akafirapo paareka yaMwari.

8Dhavhidhi akawora mwoyo nokuti Jehovha wakanga arova Uza, akatumidza nzvimbo iyo Pereziuza kusvikira zuva ranhasi.

9Dhavhidhi akatya Jehovha zuva iro, akati, “Zvino areka yaJehovha ichasvika seiko kwandiri?”

10Naizvozvo Dhavhidhi akaramba kuisa areka yaJehovha kwaari muguta raDhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaitsautsira kumba kwaObhedhiEdhomu muGiti.

11Areka yaJehovha ikagara mumba maObhedhiEdhomu muGiti mwedzi mitatu; Jehovha akaropafadza ObhedhiEdhomu neimba yake yose.

12Zvino vakaudza mambo Dhavhidhi, vachiti, “Jehovha wakaropafadza imba yaObhedhiEdhomu nezvose zvake nokuda kweareka yaMwari.” Ipapo Dhavhidhi akaenda akatora areka yaMwari kumba kwaObhedhiEdhomu, akakwira nayo kuguta raDhavhidhi nomufaro.

13Zvino nguva dzose kana ivo, vakatakura areka vachinge vafamba nhambwe nhanhatu, akabaya mombe nemhuru yakakora.

14Dhavhidhi akatamba pamberi paJehovha nesimba rake rose; Dhavhidhi akanga akafuka efhodhi yomucheka.

15Naizvozvo Dhavhidhi neimba yose yaIsiraeri vakakwira neareka yaJehovha vachipururudza nokuridza hwamanda.

16Zvino areka yaJehovha yakati ichisvika muguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarira napawindo, akaona mambo Dhavhidhi achipembera nokutamba pamberi paJehovha, akamushora mumwoyo make.

17Vakapinda neareka yaJehovha, vakaiisa panzvimbo yayo pakati petende rayakanga yadzikirwa naDhavhidhi; Dhavhidhi akabayira zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuyananisa pamberi paJehovha.

18Zvino Dhavhidhi wakati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa nezvipirso zvokuyananisa, akaropafadza vanhu nezita raJehovha wehondo.

19Akagovera vanhu vose, ivo vaIsiraeri vazhinji vose, varume navakadzi, mumwe nomumwe bundu rechingwa, nenhindi yenyama, nesumbu ramadzambiringa akawomeswa. Zvino vanhu vose vakabva, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake.

20Dhavhidhi akadzoka kuzoropafadza imba yake. Mikari mukunda waSauro akabuda kuzosangana naDhavhidhi, akati, “Haiwa, mambo waIsiraeri wazvikudza sei nhasi, zvaakazvifukura pamberi pavarandakadzi vavaranda vake, sokuzvifukura kwebenzi risinganyari!”

21Dhavhidhi akati kuna Mikari, “Ndakazviita pamberi paJehovha, wakanditsaura pamusoro pababa vako, napamusoro peimba yake yose, kuti andiite mubati wavanhu vaJehovha, ivo vaIsiraeri; naizvozvo ndichatamba hangu pamberi paJehovha.

22“Ndichazvidukupisa kupfuura izvozvo, ndichazvininipisa pachangu; asi kana vari varandakadzi vawareva, ndichakudzwa navo.”

23Mikari mukunda waSauro, wakanga asina vana kusvikira zuva rokufa kwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help