1 Johani 1 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Upenyu huri muna Jesu Kristu

1Izvo zvakanga zviripo kubva pakutanga, zvatakanzwa, zvatakaona nameso edu, zvatakatarira, nezvatakabata namaoko edu, zveShoko roupenyu

2(upenyu hwakaratidzwa, tikahuona, tinopupura nokukuparidzirai upenyu husingaperi, hwakanga huri kuna Baba, hukaratidzwa kwatiri):

3izvo zvatakaona, nezvatakanzwa, ndizvo zvatinokuparidziraiwo, kuti nemiwo muyanane nesu; kuyanana kwedu tinako naBaba, naMwanakomana wake Jesu Kristu.

4Zvinhu izvi tinokunyorerai, kuti mufaro wedu uzadziswe.

Fambai muchiedza, mureurure zvivi zvenyu

5Heyi mharidzo yatakanzwa kwaari, yatinokuparidziraiwo, kuti Mwari chiedza, hamuna rima maari.

6Kana tichiti, tinoyanana naye, tichifamba murima, tinoreva nhema, hatiite chokwadi;

7asi kana tichifamba muchiedza, saiye ari muchiedza, tinoyanana isu; neropa raJesu Kristu, Mwanakomana wake, rinotinatsa pazvivi zvose.

8Kana tichiti, hatina zvivi, tinozvinyengera, chokwadi chisiri matiri.

9Kana tichizvireurura zvivi zvedu, iye akatendeka akarurama, nokudaro anotiregerera zvivi zvedu, nokutinatsa pakusakarurama kwose.

10Kana tichiti, hatina kutadza, tinomuita murevi wenhema, neshoko rake harizi matiri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help