1 Timoti 2 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Vanhu vose ngavanyengetererwe

1Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinorayira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe;

2madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kwose, nomugariro unokudzwa.

3Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu;

4uyo anoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva chokwadi.

5Nokuti kunongova naMwari mumwechete, noMureveri mumwechetewo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,

6akazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzazvo,

7icho chandakaitirwa muparidzi nomupostori (ndinoreva zvirokwazvo, handirevi nhema), nomudzidzisi wavahedheni pakutenda chokwadi.

Zvinofanira kuita vakadzi

8Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza maoko matsvene, vasina kutsamwa nenharo.

9Saizvozvowo, kuti vakadzi vashonge nguo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana mapera, kana nguo dzinodya mari zhinji;

10asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari.

11Mukadzi ngaadzidze nokunyarara nokuzviisa pasi kwose.

12Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.

13Nokuti Adhamu akatanga kuumbwa, tevere Evha;

14naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi akanyengerwa akapinda pakudarika;

15asi achaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, noutsvene pamwechete nokuzvidzora.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help