Isaya 17 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Chirevo pamusoro peDhamasiko

1Chirevo pamusoro peDhamasiko:

“Tarirai, Dhamasiko harichazovazve guta,

asi richava murwi wamatongo.

2Maguta eAroeri achasiyiwa uye achava mafuro ezvipfuyo,

izvo zvichavata pasi,

pasina anozvivhundutsa.

3Maguta akakomberedzwa namasvingo achanyangarika achibva pana Efuremu,

uye simba roushe kubva paDhamasiko;

vakasara veAramu

vachava sembiri yavaIsraeri,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.

4“Pazuva iro kukudzwa kwaJakobho kuchapera;

mafuta omuviri wake achapera.

5Zvichafanana nomukohwi anokohwa madzinde akamira,

uyo anokohwa zviyo noruoko rwake,

sezvinoita murume anononga hura

dzezviyo muMupata weRefaimi.

6Kunyange zvakadaro dzimwe tsanga dzichasara,

sezvinoita muorivhi kana wazunzwa,

uchisiya maorivhi maviri kana matatu pamatavi okumusoro-soro,

mana kana mashanu pamatavi makuru anobereka,”

ndizvo zvinotaura Jehovha Mwari waIsraeri.

7Pazuva iro vanhu vachatarira kuMusiki wavo,

vagodzorera meso avo kuMutsvene waIsraeri.

8Havachazotarisi kuaritari,

iro basa ramaoko avo,

uye havachazovi nehanya nematanda aAshera nearitari

dzezvinonhuhwira dzakaitwa neminwe yavo.

9Pazuva iro maguta avo akasimba avakasiya nokuda kwavaIsraeri, achafanana nenzvimbo dzakaregerwa kuti dzive matenhere nezvinomera pasi pavo. Uye ose achava matongo.

10Nokuti wakanganwa Mwari Muponesi wako,

hauna kurangarira Dombo, iyo nhare yako.

Naizvozvo, kunyange ukazvisimira miti yakanakisisa,

uye ukadyara mizambiringa inobva kune dzimwe nyika,

11kunyange pazuva raunoisima, ugoita kuti ikure,

ugoita kuti ive namaruva,

asi mukohwo uchava sapasina

pazuva rehosha nokurwadziwa kusingarapiki.

12Haiwa, kutinhira kwendudzi zhinji,

dzinotinhira sokutinhira kwegungwa!

Haiwa, kuomba kwamarudzi

anoomba kufanana nokutinhira kwemvura zhinji!

13Kunyange vanhu vakaomba sokutinhira kwamafungu emvura,

paanovatuka vachatizira kure,

vachidzingirirwa nemhepo sehundi pamusoro pezvikomo,

kufanana nouswa hunozungunuswa pamberi pedutu guru.

14Munguva yamadekwana,

pachava nokutyisa! Kusati kwaedza, havachipo!

Uyu ndiwo mugove wavaya vanotibira,

nomubayiro wavanotipamba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help