Isaya 16 - Shona Contemporary Bible(SCB)

1Tumirai mutero

wamakwayana kumutongi wenyika,

kubva kuSera, zvichiyambukira kurenje,

kugomo roMwanasikana weZioni.

2Kufanana neshiri dzadzungaira

dzichisundidzirwa kubva mudendere,

ndizvo zvakaita vakadzi veMoabhu

pamazambuko eAmoni.

3“Tipeiwo zano,

ruramisirai.

Ita mumvuri wako kuti ufanane nousiku,

pamasikati makuru.

Viga vatizi,

usapandukira vapoteri.

4Rega vatizi veMoabhu vagare newe,

iva utiziro hwavo kubva kumuparadzi.”

Mutambudzi achasvika kumagumo,

uye kuparadza kuchapera;

mudenhi achatsakatika panyika.

5Murudo, chigaro choushe chichasimbiswa;

mukutendeka, munhu achagarapo, mumwe anobva kuimba yaDhavhidhi,

uyo anoti achitonga anotsvaka kururamisira,

uye achikurumidza kuita zvakarurama.

6Takanzwa nezvokuzvikudza kwaMoabhu,

namanyawi ake makuru uye kuzvida kwake,

kuzvikudza kwake nokuvirima kwake,

asi kuzvirumbidza kwake hakuna maturo.

7Naizvozvo vaMoabhu voungudza,

vanoungudzira Moabhu pamwe chete.

Chemai musuwe

nokuda kwavarume veKiri Hareseti.

8Minda yeHeshibhoni yaoma

uye mazambiringa eSibhima aomawo.

Vatongi vendudzi vatsika-tsika

mizambiringa yakaisvonaka,

iyo yaimbosvika kuJazeri

uye yaitandira yakananga kurenje.

Mabukira ayo

aitandira kusvika kugungwa.

9Saka ndinochema, sokuchema kweJazeri,

nokuda kwemizambiringa yeSibhima.

Haiwa Heshibhoni, haiwa Ereare,

ndichakudiridza nemisodzi!

Ruzha rwomufaro pamusoro pemizambiringa

yakaibva napamusoro pezvamakakohwa rwanyaradzwa.

10Mufaro nokufarisisa zvabviswa paminda yemizambiringa;

hapana anoimba kana kuita ruzha muminda yemizambiringa;

hapana anosvina waini pazvisviniro,

nokuti ndagumisa ruzha rwacho.

11Mwoyo wangu unorira nokuda kwaMoabhu, kufanana nokurira kwembira,

mukati kati mangu munorira nokuda kweKiri Hareseti.

12Zvino kana Moabhu achizviratidza panzvimbo dzake dzakakwirira,

anenge achingozvinetsa pachake;

paanoenda kuimba yake kunonyengetera,

zvinenge zvisina chazvinobatsira,

13Iri ndiro shoko rakataurwa kare naJehovha pamusoro peMoabhu.

14Asi zvino Jehovha anoti, “Makore matatu asati apfuura, sokuverengwa kwaangaitwa nomuranda akazvisunga kubatira mubayiro, kukudzwa kweMoabhu navanhu vake vose vakawanda kuchazvidzwa, uye vakapunyuka vake vachava vashoma kwazvo uye vasina simba.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help