Isaya 18 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Chiprofita pamusoro peEtiopia

1Ine nhamo nyika yokutinhira

kwamapapiro inotevedza nzizi dzeEtiopia,

2inotuma nhume nenzira yomugungwa,

muzvikepe zvenhokwe pamusoro pemvura.

Endai, imi nhume dzinokurumidza,

kuvanhu vakareba uye vane ganda rinotsvedzerera,

kuvanhu vanotyiwa kure napedyo,

rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,

rune nyika yakakamurwa nenzizi.

3Imi mose muri pasi pose,

imi munogara panyika,

kana mureza wasimudzwa pamusoro pamakomo,

muchauona,

uye kana hwamanda yarira,

muchainzwa.

4Zvanzi naJehovha kwandiri:

“Ndicharamba ndinyerere uye ndichatarira ndiri paugaro hwangu,

samanyirinyiri omushana unopisa,

segore redova mukupisa kwokukohwa.”

5Nokuti, kukohwa kusati kwasvika,

kana kutungira kwamaruva kwaguma, uye ruva rova muzambiringa woibva,

achagura mabukira namapanga okurangura,

achatemera pasi uye agorasira kure matavi akatandavara.

6Zvose zvichasiyirwa magora omugomo nokuzvikara zvesango;

shiri dzichazvidya chirimo chose,

uye zvikara zvesango

zvichazvidya muchando chose.

7Panguva iyoyo, zvipo zvichavigirwa Jehovha Wamasimba Ose,

zvichibva kuvanhu vakareba vane ganda rinotsvedzerera,

kubva kuvanhu vanotyiwa kwose kwose,

rudzi rune hasha nomutauro usinganzwisisiki,

rudzi rune nyika yakakamurwa nenzizi,

zvipo zvichauyiswa kuZioni, nzvimbo yeZita raJehovha Wamasimba Ose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help