Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8 - Shona Contemporary Bible(SCB)

1Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri,

akanwa pamazamu amai vangu!

Ipapo kana ndaikuwana panze,

ndaikutsvoda

uye hapana aizondishora.

2Ndaizokutora ndouya newe

kumba kwamai vangu,

ivo vakandidzidzisa.

Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuhwira kuti unwe,

nomukume wemitamba yangu.

3Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu,

uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira.

4Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai:

Musazunguza kana kumutsa rudo

kusvikira irwo rwada rwoga.

Shamwari

5Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje

akazendamira pamudiwa wake?

Mukadzi

Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa;

ipapo mai vako vakakubereka,

ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka.

6Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso,

sechisimbiso paruoko rwako;

nokuti rudo rwakasimba sorufu,

godo rarwo seguva harishanduki.

Runopisa serimi romoto,

somurazvo mukuru kwazvo.

7Mvura zhinji haigoni kudzima rudo;

nzizi hadzigoni kurukukura.

Kunyange munhu akapa

pfuma yose yemba yake kuti awane rudo,

zvingazvidzwa chose.

Shamwari

8Tine hanzvadzi yedu duku

uye mazamu ake haasati akura.

Tichaitireiko hanzvadzi yedu

pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe?

9Kana ari rusvingo,

tichavaka shongwe dzesirivha paari.

Kana ari musuo,

tichamukomberedza namapuranga omusidhari.

Mukadzi

10Ndiri rusvingo,

mazamu angu akaita seshongwe.

Ndizvo zvandava pamberi pake,

somunhu anouyisa kugutsikana.

11Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni;

akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira.

Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo

aiuya namashekeri chiuru esirivha.

12Asi munda wangu wemizambiringa ndewangu kuti ndiupe;

chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni,

asi mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo.

Murume

13Iwe unogara mumapindu

unoshandirwa neshamwari,

rega ndinzwe inzwi rako!

Mukadzi

14Handei mudiwa wangu,

uite semhara kana setsvana

pamusoro pamakomo

azere zvinonhuhwira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help