Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 7 - Shona Contemporary Bible(SCB)

1Dzakanaka sei tsoka dzako dzakapfekedzwa shangu,

iwe mwanasikana womuchinda!

Makumbo ako akanakisisa akaita sezvishongo,

basa ramaoko emhizha.

2Guvhu rako rakatenderera somukombe

unogara uine waini yakasanganiswa zvakanaka.

Chiuno chako murwi wegorosi

wakakomberedzwa namaruva.

3Mazamu ako akaita setsvana mbiri,

mapatya emhara.

4Mutsipa wakaita seshongwe yakagadzirwa nenyanga dzenzou.

Meso ako ndiwo madziva eHeshibhoni

pasuo reBhati Rabhimi.

Mhuno yako yakaita seshongwe yeRebhanoni

yakatarisa kudivi reDhamasiko.

5Musoro wako unokushongedza nekorona seGomo reKarimeri.

Bvudzi rako rakaita sezvirukwa zvomumba mamambo;

mwoyo wamambo wakabatwa nokugadzirwa kwebvudzi rako.

6Wakanaka uye unofadza sei,

iwe mudiwa nezvinofadza zvako!

7Chimiro chako chakaita somuti womuchindwe;

uye mazamu ako samasumbu omuchero.

8Ndakati, “Ndichakwira muchindwi uyu,

ndigobata muchero wawo.”

Mazamu ako ngaaite samasumbu omuzambiringa,

munhuwi wokufema kwako uite samaapuro,

9muromo wako ugoita sewaini yakanakisisa.

Mukadzi

Waini ngaiendeswe kumudiwa wangu chaiko,

igoyerera zvinyoronyoro, napamiromo yake nameno ake.

10Ini ndiri womudiwa wangu,

uye iye anondishuva.

11Uya, mudiwa wangu, ngatiendei kumunda,

tigozopedza usiku hwose kumaruwa.

12Ngatimukirei kuminda yemizambiringa

tindoona kana mizambiringa yakabukira,

uye kana maruva awo azaruka,

uye kana mitamba yatumbuka yava namaruva,

ikoko ndiko kwandichakupa rudo rwangu.

13Miti yemidiwadiwa inopa kunhuhwira kwayo,

uye pamusuo pedu pane zvinonaka zvose,

zvose zvitsva nezvitsaru,

zvandakachengetera iwe, mudiwa wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help