Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 6 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Shamwari

1Ko, mudiwa wako aendepiko,

iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi?

Mudiwa wako aenda nokupiko,

kuti tigomutsvaka pamwe chete newe?

Mukadzi

2Mudiwa wangu adzika kubindu rake,

kumihomba yezvinonhuwirira,

kuti andomema mumapindu

uye agotanha maruva.

3Ini ndiri womudiwa wangu uye mudiwa wangu ndowangu;

anomema pakati pamaruva.

Murume

4Wakanaka iwe mudiwa wangu, seTiriza,

unoyevedza seJerusarema,

unoremekedzeka samauto ane mireza.

5Bvisa meso ako pandiri;

anondikunda.

Bvudzi rako rakaita sedanga rembudzi

riri kuburuka muGireadhi.

6Meno ako akafanana neboka ramakwai

achangobva mukushambidzwa.

Rimwe nerimwe rine rarakafanana naro,

pasina riri roga zvaro.

7Zvavovo zvako zviri mumumbure wako

zvakaita sezvikamu zviviri zvedamba.

8Kungava navanamambokadzi makumi matanhatu,

navarongo makumi masere

nemhandara dzisingaverengeki;

9Asi njiva yangu, iye akakwana wangu,

ndiwe mumwe oga, mwanasikana mumwe oga wamai vake,

iye woga anodikanwa naiye akamubereka.

Mhandara dzakamuona dzikamuti akaropafadzwa.

Vanamambokadzi navarongo vakamurumbidza.

Shamwari

10Ko, ndiani uyo anoratidzika samambakwedza,

akanaka somwedzi, anopenya sezuva,

akanaka senyeredzi dziri mumudungwe?

Murume

11Ndakadzika kusango remiti yemipfura

kundoona zvitsva zvakamera mumupata,

kundoona kana mizambiringa yainge yabukira,

kana kuti mitamba yainge yava namaruva.

12Ndisati ndambodii,

mwoyo wangu wakandiisa pakati pengoro dzoumambo dzavanhu vangu.

Shamwari

13Dzoka, dzoka iwe muShurami;

dzoka, dzoka kuti timbokuona!

Mudiwa

Ko, munodirei kuona muShurami

sezvamunoita mutambo weMahanaimi?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help