Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 5 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Murume

1Ndauya zvangu mubindu rangu, hanzvadzi yangu, iwe mwenga wangu;

ndaunganidza mura yangu pamwe chete nezvinonhuhwira zvangu.

Ndadya zinga rangu rouchi nouchi hwangu;

ndanwa waini yangu nomukaka wangu.

Shamwari

Idyai, imi shamwari, uye munwe;

inwai mugute, imi vanodanana.

Mukadzi

2Ndakavata asi mwoyo wangu wakanga wakasvinura.

Inzwai! Mudiwa wangu ari kugogodza, achiti,

“Ndizarurire, hanzvadzi yangu, mudiwa wangu,

njiva yangu, wangu asina chinongo.

Musoro wangu wanyorova nedova,

bvudzi rangu ranyoroveswa nounyoro hweusiku.”

3Ndabvisa nguo yangu,

ndoipfekazve here?

Ndashambidza tsoka dzangu,

ndodzisvibisazve here?

4Mudiwa wangu akapinza ruoko rwake nepahwangwadza yomukova;

mwoyo wangu wakatanga kumudokwairira.

5Ndakasimuka kuti ndizarurire mudiwa wangu,

maoko angu akadonha mura,

mimwe yangu ichiyerera mura,

pazvibato zvechizarira.

6Ndakazarurira mudiwa wangu,

asi mudiwa wangu akanga abva; akanga atoenda.

Mwoyo wangu wakarwadziwa nokuenda kwake.

Ndakamutsvaka asi handina kumuwana.

Ndakamudana asi haana kupindura.

7Varindi vakandiona

pavaiva pabasa ravo rokufamba-famba vachichengetedza guta.

Vakandirova, vakandikuvadza;

vakanditorera jasi rangu,

ivavo varindi vamasvingo!

8Imi vanasikana veJerusarema, ndinokurayirai,

kana mukaona mudiwa wangu,

muchamuudzeiko?

Mumuudze kuti ndinorwara nerudo.

Shamwari

9Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii,

iwe zvako wakanaka kukunda vamwe vakadzi?

Mudiwa wako akanaka kukunda vamwe pakudii,

zvaunotirayira kudaro?

Mukadzi

10Mudiwa wangu akanaka uye mutsvuku,

anokunda vanokwana zviuru gumi.

11Musoro wake igoridhe chairo;

bvudzi rake rinoyevedza

uye rakasviba segunguo.

12Meso ake akafanana nenjiva

dziri pahova dzemvura,

dzakashambidzwa mumukaka,

akarongwa sezvishongo.

13Matama ake akaita semihomba yezvinonhuhwira

inobereka zvinonhuhwira.

Miromo yake yakaita samaruva amahapa

anodonha mura.

14Maoko ake itsvimbo dzegoridhe

dzakaiswa mabwe anokosha ekrisorite.

Muviri wake wakaita senyanga dzenzou dzinobwinya

dzakashongedzwa nesafire.

15Makumbo ake imbiru dzamabwe machena

akamiswa pazvigadziko zvegoridhe rakanatswa.

Chimiro chake chakaita seRebhanoni,

chakanakisisa semisidhari yayo.

16Muromo wake inhapitapi pachayo;

zvirokwazvo akaisvonaka.

Uyu ndiye mudiwa wangu, ndiye shamwari yangu,

imi vanasikana veJerusarema.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help