Isaya 1 - Shona Contemporary Bible(SCB)

1Chiratidzo chaIsaya mwanakomana waAmozi, chaakaona pamusoro peJudha neJerusarema pamazuva aUzia naJotamu, naAhazi naHezekia, madzimambo eJudha.

Rudzi Runomukira

2Inzwai imi matenga! Teerera iwe nyika!

Nokuti Jehovha akataura achiti,

“Ndakarera vana ndikavakudza,

asi ivo vakandimukira.

3Nzombe inoziva vatenzi vayo,

nembongoro inoziva chidyiro chomwene wayo,

asi Israeri haizivi,

vanhu vangu havanzwisisi.”

4Haiwa, rudzi runotadza,

vanhu vakaremerwa nezvakaipa,

vana vavaiti vezvakaipa,

vana vanoita zvakaora!

Vakasiya Jehovha;

vakashora Mutsvene waIsraeri

vakamufuratira.

5Mucharambireiko muchingorohwa?

Munorambireiko muchimukira Jehovha?

Musoro wenyu wose wakuvadzwa,

mwoyo wenyu wose warwadziwa.

6Kubvira pasi porutsoka rwako kusvikira panhongonya yomusoro

wako hapana pakukutu,

anongova maronda nokurwadziwa

namavanga akazaruka,

asina kusukwa kana kusungwa

kana kuzorwa mafuta.

7Nyika yenyu yaparadzwa,

Maguta enyu apiswa nomoto;

minda yenyu iri kutorwa navatorwa

pamberi penyu chaipo,

nyika yaparadzwa sapanoparadza vatorwa.

8Mwanasikana weZioni asiyiwa sedumba

mumunda wemizambiringa,

seimba mumunda wamanwiwa,

seguta rakakombwa.

9Dai Jehovha Wamasimba Ose

asina kutisiyira vakapunyuka,

tingadai takafanana neSodhomu,

tingadai takaita seGomora.

10Inzwai shoko raJehovha,

imi vabati veSodhomu;

teererai kumurayiro waMwari wedu,

imi vanhu veGomora!

11“Zvibayiro zvenyu zvizhinji,

zvinyiko kwandiri?” ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Zvibayiro zvinopiswa zvawandisa,

zvamakondobwe namafuta ezvipfuwo zvakakodzwa;

Handifadzwi neropa renzombe,

ramakwayana nerembudzi.

12Pamunouya kuzozviratidza pamberi pangu,

ndianiko akambokukumbirai izvi kwamuri,

naikoku kutsika-tsika pavazhe dzangu?

13Regai kuuya nezvipiriso zvisina maturo!

Zvinonhuhwira zvenyu zvinondinyangadza.

Nguva dzoKugara kwoMwedzi, maSabata nenguva dzekokorodzano,

handigoni kufarira ungano dzenyu dzakaipa.

14Mitambo yenyu yoKugara kwoMwedzi nemitambo yenyu yakatsaurwa inovengwa

nomweya wangu.

Zvava mutoro kwandiri;

ndaneta nokuzvitakura.

15Pamunotambanudza maoko enyu muchinyengetera,

ini ndichakuvanzirai chiso changu;

kunyange mukawanza munyengetero,

handisi kuzokunzwai.

Maoko enyu azere neropa;

16shambai muzvinatse.

Bvisai mabasa enyu akaipa

pamberi pangu!

Regai kuita zvakaipa,

17dzidzai kuita zvakarurama.

Tsvakai kururamisira,

kurudzirai vakamanikidzwa.

Dzivirirai nherera,

mukumbirire chirikadzi.

18“Chiuyai zvino titaurirane,”

ndizvo zvinotaura Jehovha.

“Kunyange zvivi zvenyu zviri

zvitsvuku zvichachena sechando;

kunyange zviri zvishava somuti mushava,

zvichaita samakushe amakwai.

19Kana muchida uye muchiteerera

muchadya zvakanakisa zvenyika;

20asi kana muchiramba uye muchindimukira,

muchaparadzwa nomunondo.”

Nokuti muromo waJehovha wazvitaura.

21Tarirai guta rakatendeka

rava chifeve sei!

Iro rakanga rizere nokururamisira;

kururama kwaigara mariri,

asi zvino mogara mhondi!

22Sirivha yako yava nengura,

waini yako yakavhenganiswa nemvura.

23Machinda ako vapanduki,

ishamwari dzembavha;

vose vanoda fufuro,

uye vanomhanyira zvipo.

Havana hanya nokudzivirira nherera;

mhaka yechirikadzi haiuyiswi pamberi pavo.

24Naizvozvo Ishe, Jehovha

Wamasimba Ose, Anesimba waIsraeri, anotaura achiti,

“Haiwa, ndichadurura hasha dzangu pamusoro pavadzivisi vangu,

nokuzvitsivira vavengi vangu.

25Ndichatambanudzira ruoko rwangu kwauri;

ndichapedza chose ngura yako

ndigobvisa kusachena kwako kwose.

26Ndichadzosera vatongi vako sapamazuva akare,

namakurukota ako sapamazuva okutanga.

Shure kwaizvozvo uchanzi

Guta Rokururama,

Guta Rakatendeka.”

27Zioni richadzikinurwa nokururamiswa,

navanotendeuka varo, nokururama.

28Asi vapanduki navatadzi vachaparadzwa vose,

uye vose vanosiya Jehovha vachaparara.

29“Nokuti muchanyadziswa nokuda kwemiti yomuouki yamunoeresa,

yamunofadzwa nayo;

muchanyadziswa nokuda kwamapindu

amakasarudza.

30Muchafanana nomuouki wasvava mashizha,

sebindu risina mvura.

31Murume ane simba achava serwodzi

nebasa rake sesasaradzi;

zvose zvichatsva pamwe chete,

pasina achadzima moto.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help