Mapisarema 83 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 83Rwiyo. Pisarema raAsafi.

1Haiwa Mwari, regai kunyarara;

musanyarara, imi Mwari, musati mwiro.

2Tarirai kumutswa kwaitwa vavengi venyu,

namasimudziro avaita misoro yavo.

3Vakarangana nounyengeri pamusoro pavanhu venyu;

vanorangana pamusoro paavo vamunochengeta zvakanaka.

4Ivo vanoti, “Uyai, ngativaparadzei sorudzi,

kuti zita raIsraeri rirove.”

5Vanorangana pamwe chete nomwoyo mumwe chete;

vanoita sungano yokuzorwa nemi,

6matende eEdhomu nevaIshumaeri,

neMoabhu navaHagari,

7Gebha, Amoni neAmareki,

Firistia, navanhu veTire.

8Kunyange neAsiria yabatana

navo kuti vasimbise zvizvarwa zvaRoti. Sera

9Muvaitire sezvamakaitira vaMidhia,

sezvamakaita kuna Sisera naJabhini paRwizi Kishoni,

10ivo vakafira paEndori

uye vakava sendove pamusoro pevhu.

11Muite makurukota avo saOrebhu naZibhi,

machinda avo ose saZebha naZarumuna,

12ivo vakati, “Handei tindotora

mafuro aMwari.”

13Haiwa Mwari wangu, vaitei sendira,

sehundi inodzingwa nemhepo.

14Somoto unopisa sango

kana moto unoririma mugomo,

15saka vateverei nedutu renyu

mugovavhundutsa nokutinhira wenyu.

16Fukidzai zviso zvavo nenyadzi

kuti vanhu vagotsvaka zita renyu, imi Jehovha.

17Ngavarambe vachinyadziswa

uye vavhundutswe; ngavafire munyadzi dzavo.

18Ngavazive kuti imi, mune zita rinonzi Jehovha,

ndimi moga Wokumusoro-soro ari pamusoro penyika yose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help