Mapisarema 84 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 84Kumutungamiri wokuimba namaimbirwo egititi. Pisarema ravanakomana vaKora.

1Ugaro hwenyu hwakanaka sei,

imi Jehovha Wamasimba Ose!

2Mweya wangu unopanga,

uye unotoziya, nokuda kwezvivanze zvaJehovha;

mwoyo wangu nenyama yangu

zvinodana kuna Mwari mupenyu.

3Kunyange shiri diki yakazviwanira imba,

nenyenganyenga yakazviwanirawo

dendere kwaingachochonyera vana vayo,

iyo nzvimbo iri pedyo nearitari yenyu,

imi Jehovha Wamasimba Ose, Mambo wangu naMwari wangu.

4Vakaropafadzwa avo vanogara mumba menyu;

vanogara vachikurumbidzai. Sera

5Vakaropafadzwa avo vane simba ravo mamuri,

vakaisa mwoyo yavo parwendo rweZioni.

6Pavanopfuura nomuMupata weBhaka,

vanouita nzvimbo yamatsime;

mvura yomuzhizha inouzadzawo namadziva.

7Vanowedzera simba pasimba,

kusvikira mumwe nomumwe wavo amira pamberi paMwari muZioni.

8Inzwai munyengetero wangu, imi Jehovha Mwari Wamasimba Ose;

rerekerai nzeve yenyu kwandiri, imi Mwari waJakobho. Sera

9Haiwa Mwari, tariraiwo nhoo yedu;

ringirai nenyasha dzenyu pamuzodziwa wenyu.

10Zviri nani kuva pavazhe dzenyu kwezuva rimwe chete,

kupfuura mazuva zviuru ndiri kumwe;

ndingada zvangu kuva murindi womukova weimba yaMwari

wangu kukunda kugara mumatende avakaipa.

11Nokuti Jehovha Mwari ndiye zuva nenhoo;

Jehovha anopa nyasha nokukudzwa;

hapana chinhu chakanaka chaanganyima

avo vanofamba zvakarurama.

12Haiwa Jehovha Wamasimba Ose,

akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help