Mapisarema 82 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 82Pisarema raAsafi.

1Mwari anogara paungano huru;

anotonga pakati pa“vamwari” achiti,

2“Muchasvika riniko muchirwira vasakarurama

uye muchisanangura vanhu vakaipa? Sera

3Tongai mhaka dzavasina simba nenherera;

chengetedzai kodzero dzavarombo navakadzvinyirirwa.

4Nunurai vasina simba navanoshayiwa;

varwirei paruoko rwowakaipa.

5“Havana chavanoziva, havana chavanonzwisisa.

Vanongofamba-famba murima;

nheyo dzose dzenyika dzinozungunuswa.

6“Ndakati, ‘Muri vamwari;

imi mose muri vanakomana veWokumusoro-soro.’

7Asi muchafa savanhuwo zvavo;

muchawa savatongi vose.”

8Simukai, imi Mwari, mutonge nyika,

nokuti ndudzi dzose inhaka yenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help