Mapisarema 53 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 53Kumutungamiri wokuimba. Namaimbirwo eMaharati. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi.

1Benzi rinoti mumwoyo maro,

“Mwari hakuna.”

Vakaora, uye nzira dzavo dzakaipa;

hakuna anoita zvakanaka.

2Mwari anotarira ari kudenga,

pavanakomana vavanhu,

kuti aone kana aripo anonzwisisa,

kana aripo anotsvaka Mwari.

3Mumwe nomumwe wavo akadzokera shure,

vakava vakaora pamwe chete;

hakuna anoita zvakanaka,

kunyange nomumwe.

4Ko, vaiti vezvakaipa havangadzidzi here,

vaya vanodya vanhu vangu savanhu vanodya chingwa,

uye vasingadani kuna Mwari?

5Havo, vakazadzwa nokutya,

ipo pasina chavangatya.

Mwari akaparadzira mapfupa avanhu vaikurwisa;

makavanyadzisa, nokuti Mwari akavazvidza.

6Haiwa, dai ruponeso rwaIsraeri rwabuda kubva muZioni;

Mwari paachadzosera nhaka yavanhu vake;

Jakobho ngaafarisise uye Israeri ngaafarisise!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help