Mapisarema 54 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 54Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa ine hungiso. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. VaZefati pavakaenda kuna Sauro kundoti, “Ko, Dhavhidhi haana kuvanda pakati pedu here?”

1Ndiponesei, imi Mwari, nezita renyu;

ndiruramisirei nesimba renyu.

2Inzwai munyengetero wangu, imi Mwari;

teererai kumashoko omuromo wangu.

3Vatorwa vanondirwisa;

vanhu vane utsinye vanotsvaka upenyu hwangu,

vanhu vasingazivi Mwari. Sera

4Zvirokwazvo Mwari ndiye mubatsiri wangu;

ishe ndiye anonditsigira.

5Zvakaipa ngazvimonere pane avo vanondireva;

muvaparadze pakutendeka kwenyu.

6Ndichakubayirai chipiriso chokungopa;

ndicharumbidza zita renyu, imi Jehovha,

nokuti rakanaka.

7Nokuti akandirwira pamatambudziko angu ose,

uye mukukunda, meso angu akatarisa vavengi vangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help