Mapisarema 52 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 52Kumutungamiri wokuimba. Rwiyo rweMasikiri rwaDhavhidhi. Dhoegi muEdhomu paakanga aenda kuna Sauro akamuudza kuti: “Dhavhidhi aenda kumba kwaAhimereki.”

1Ko, unozvikudzirei pane zvakaipa, iwe murume wesimba?

Unozvikudzirei zuva rose,

iyewe unonyadzisa pamberi paMwari?

2Rurimi rwako runofarira zvokuparadza;

rwakaita sechisvo chakarodzwa,

iyewe unogara uchingonyengera.

3Unoda zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka,

kureva nhema pachinzvimbo chokutaura chokwadi. Sera

4Unoda shoko rimwe nerimwe rinoparadza,

iwe rurimi runonyengera!

5Zvirokwazvo Mwari achakuburutsira kukuparadzwa kusingaperi:

Achakubvuta agokubvisa mutende rako;

achakudzura kubva munyika yavapenyu. Sera

6Vakarurama vachazviona uye vachatya;

vachamuseka vachiti,

7“Houno zvino munhu asina kuita Mwari nhare yake,

asi aivimba nepfuma yake zhinji,

uye aisimba nokuparadza vamwe!”

8Asi ini ndakaita somuti

womuorivhi unokura zvakanaka mumba maMwari;

ndinovimba norudo rusingaperi rwaMwari,

nokusingaperi-peri.

9Ndichakurumbidzai, nokusingaperi nokuda kwezvamakaita;

ndichavimba nezita renyu, nokuti zita renyu rakanaka.

Ndichakurumbidzai pamberi pavatsvene venyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help