Mapisarema 47 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 47Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Pisarema.

1Uchirai maoko, imi vanhu vose;

pururudzai kuna Mwari nokudanidzira kwomufaro.

2Jehovha Wokumusoro-soro anotyisa sei,

iye Mambo mukuru pamusoro penyika yose!

3Akaisa ndudzi dzavanhu pasi pedu,

marudzi pasi petsoka dzedu.

4Akatitsaurira nhaka yedu,

iyo pfuma yaJakobho, waakada. Sera

5Mwari akwidza kumusoro pakati pokudanidzira kwomufaro,

Jehovha pakati pokurira kwehwamanda.

6Imbirai Mwari nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

Imbirai Mambo wedu nziyo dzokurumbidza, murumbidzei nenziyo.

7Nokuti Mwari ndiye Mambo wenyika yose;

muimbirei pisarema rokurumbidza.

8Mwari anotonga pamusoro pendudzi dzose;

Mwari agere pamusoro pechigaro chake chitsvene.

9Makurukota amarudzi aungana

savanhu vaMwari waAbhurahama,

nokuti madzimambo enyika ndeaMwari;

iye anokudzwa zvikuru kwazvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help