Mapisarema 48 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 48Rwiyo. Pisarema raVanakomana vaKora.

1Jehovha mukuru, uye anofanira kurumbidzwa kwazvo,

muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.

2Rakanaka pakukwirira kwaro, mufaro wenyika yose.

Sokumusoro-soro kweZafoni,

ndizvo zvakaita Gomo reZioni,

guta raMambo Mukuru.

3Mwari ari munhare dzaro;

akazviratidza kwariri kuti ndiye nharirire yaro.

4Madzimambo akati abatanidza mauto,

vakati vafamba pamwe chete kundorwa,

5vakariona vakashamiswa;

vakatiza nokutya.

6Vakabatwa nokudedera ipapo,

nokurwadziwa sekwomukadzi osununguka.

7Makavaparadza sezvakaitwa zvikepe zveTashishi,

zvakaputswa-putswa nemhepo yokumabvazuva.

8Sezvatakanzwa, ndizvo zvataona,

muguta raJehovha Wamasimba Ose,

muguta raMwari wedu:

Mwari anorisimbisa nokusingaperi. Sera

9Tiri mukati metemberi yenyu, imi Mwari,

tinofungisisa nezvorudo rwenyu rusingaperi.

10Sezvakaita zita renyu, imi Mwari,

kurumbidzwa kwenyu kunosvika kumagumo enyika;

ruoko rwenyu rworudyi ruzere nokururama.

11Gomo reZioni rinofarisisa,

misha yeJudha inofara

nokuda kwokutonga kwenyu.

12Famba-fambai muZioni, ripoteredzei,

verengai shongwe dzaro,

13fungisisai zvakanaka nezvamasvingo aro,

cherechedzai nhare dzaro,

kuti mugotaura nezvazvo kuchizvarwa chinotevera.

14Nokuti Mwari uyu ndiye Mwari wedu nokusingaperi-peri;

iye achava muperekedzi wedu kusvikira kumagumo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help