Mapisarema 46 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 46Kumutungamiri wokuimba waVanakomana vaKora. Namaimbirwo earamoti. Rwiyo.

1Mwari ndiye utiziro hwedu nesimba redu,

ndiye mubatsiri anogara aripo panguva yokutambudzika.

2Naizvozvo hatizotyi, kunyange nyika ikashanduka,

uye makomo akawira mukatikati megungwa,

3kunyange mvura yaro ikatinhira uye ikapupuma furo,

uye makomo akadengenyeswa namafungu aro. Sera

4Pane rwizi rwuripo rune hova dzinofadza guta raMwari,

nzvimbo tsvene yeWokumusoro-soro.

5Mwari ari mukati maro, haringawiri pasi;

Mwari acharibatsira panguva yemambakwedza.

6Ndudzi dzinoita bope, umambo hunoondomoka;

anotaura nenzwi guru, nyika yonyongodeka.

7Jehovha Wamasimba Ose anesu;

Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

8Uyai muone mabasa aJehovha,

kuparadza kwaakaita panyika.

9Anoita kuti hondo dzigume kusvikira kumagumo enyika;

anovhuna uta uye anovhuna-vhuna mapfumo,

anopisa nhoo nomoto.

10“Mirai, muzive kuti ndini Mwari;

ndichakudzwa pakati pendudzi,

ndichasimudzirwa panyika.”

11Jehovha Wamasimba Ose anesu;

Mwari waJakobho ndiye nhare yedu. Sera

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help