Mapisarema 29 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 29Pisarema raDhavhidhi.

1Ipai kuna Jehovha, imi mune simba

ipai kuna Jehovha rukudzo nesimba.

2Ipai kuna Jehovha rukudzo rwakafanira zita rake;

namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.

3Inzwi raJehovha riri pamusoro pemvura zhinji.

Mwari wokubwinya anotinhira,

Jehovha anotinhira ari pamusoro pemvura zhinji.

4Inzwi raJehovha rine simba;

inzwi raJehovha rinokudzwa.

5Inzwi raJehovha rinovhuna misidhari,

Jehovha anovhuna-vhuna misidhari yeRebhanoni.

6Anoita kuti Rebhanoni ikwakuke semhuru,

neSirioni senzombe yenyati.

7Inzwi raJehovha rinorova

nokuvaima kwemheni.

8Inzwi raJehovha rinozungunusa gwenga;

Jehovha anozungunusa Gwenga reKadheshi.

9Inzwi raJehovha rinomonyorora miouki

uye rinosvuura sango rigosara rati hwe-e.

Uye mutemberi yake zvose zvinodana zvichiti, “Kubwinya!”

10Jehovha anogara pachigaro choushe chamafashamu emvura;

Jehovha anogara ari Mambo nokusingaperi.

11Jehovha anopa simba kuvanhu vake;

Jehovha anoropafadza vanhu vake norugare.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help