Mapisarema 30 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 30Pisarema. Rwiyo rwokukumikidza temberi. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndichakukudzai imi Jehovha,

nokuti makandisimudza kubva pakadzika,

uye hamuna kutendera vavengi vangu kuti vafare pamusoro pangu.

2Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakachemera rubatsiro kwamuri

uye mukandiporesa.

3Haiwa Jehovha, makandibudisa muguva;

mukandirwira kuti ndirege kupinda mugomba.

4Imbirai Jehovha, imi vatsvene vake;

rumbidzai zita rake dzvene.

5Nokuti kutsamwa kwake ndokwenguva duku,

asi nyasha dzake ndedzoupenyu hwose;

kuchema kungangovapo usiku.

Asi mufaro unouya mangwanani.

6Pandakanzwa kugadzikana, ndakati,

“Handingatongozungunuswi.”

7Haiwa Jehovha, pamakandinzwira tsitsi,

makaita kuti gomo rangu rimire rakasimba;

asi pamakavanza chiso chenyu,

ini ndakavhunduka.

8Ndakadana kwamuri, imi Jehovha;

ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,

9“Chiiko chinowanikwa pakuparadzwa kwangu,

napakupinda kwangu mugomba?

Ko, guruva richakurumbidzai here?

Richaparidza kutendeka kwenyu here?

10Inzwai, imi Jehovha, mundinzwire ngoni;

imi Jehovha, ivai mubatsiri wangu.”

11Imi makashandura kuungudza kwangu kukava kutamba;

makabvisa nguo dzangu dzamasaga mukandishongedza nomufaro,

12kuti mwoyo wangu ukuimbirei ugorega kunyarara.

Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help