Mapisarema 28 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 28Pisarema raDhavhidhi.

1Ndinodana kwamuri, imi Jehovha Dombo rangu;

musandinyararira.

Nokuti kana mukaramba munyerere,

ini ndichaita savaya vakaburukira kugomba.

2Inzwai kuchemera ngoni kwangu,

sezvo ndichichemera rubatsiro kwamuri,

sezvo ndichisimudza maoko angu

ndakatarira kuNzvimbo yenyu Tsvene-tsvene.

3Musandikwekweredzera kure pamwe chete navakaipa,

naavo vanoita zvakaipa,

vanotaura rugare navavakidzani vavo

asi vakaviga zvakaipa mumwoyo yavo.

4Vatsivei pamabasa avo

napabasa ravo rakaipa,

vatsivei pane zvakaitwa namaoko avo;

mugodzosera pamusoro pavo zvakavafanira.

5Sezvo vasina hanya namabasa aJehovha

uye nezvakaitwa namaoko ake,

achavaputsira pasi

akasavavakazve.

6Jehovha ngaarumbidzwe,

nokuti akanzwa kuchemera kwangu ngoni.

7Jehovha ndiye simba rangu nenhoo yangu;

mwoyo wangu unovimba naye, uye ndinobatsirwa.

Mwoyo wangu unokwakuka nomufaro

uye ndichamuvonga nenziyo.

8Jehovha ndiye simba ravanhu vake,

nhare yoruponeso yomuzodziwa wake.

9Ponesai vanhu venyu uye muropafadze nhaka yenyu;

ivai mufudzi wavo uye muvatakure nokusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help