Mapisarema 27 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 27Pisarema raDhavhidhi.

1Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu,

ndichagotya aniko?

Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu,

ndianiko wandingatya?

2Vanhu vakaipa pavakauya kwandiri

kuzodya nyama yangu,

vavengi navadzivisi vangu pavanondirwisa,

vanogumburwa ndokuwa.

3Kunyange hondo ikandikomba,

mwoyo wangu haungazotyi;

kunyange hondo ikamuka kuzondirwisa,

ipapo ndichavimba naJehovha.

4Chinhu chimwe chete chandinokumbira kuna Jehovha,

ndicho chandinotsvaka:

kuti ndigare mumba maJehovha

mazuva ose oupenyu hwangu,

kuti nditarire kunaka kwaJehovha

uye ndimutsvake mutemberi yake.

5Nokuti zuva rokutambudzika

achandichengeta zvakanaka munzvimbo yaanogara;

achandiviga mudumba retabhenakeri yake,

agondikwidza pamusoro pedombo.

6Ipapo musoro wangu uchasimudzirwa

pamusoro pavavengi vakandipoteredza;

ndichamubayira zvibayiro patabhenakeri yake nomufaro mukuru;

ndichaimba ndigoimbira Jehovha nziyo.

7Inzwai inzwi rangu kana ndichidana, imi Jehovha;

ndinzwirei ngoni mugondipindura.

8Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!”

Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.

9Regai kundivanzira chiso chenyu,

musadzinga muranda wenyu mukutsamwa;

makanga muri mubatsiri wangu.

Regai kundiramba kana kundisiya,

imi Mwari Muponesi wangu.

10Kunyange baba vangu namai vangu vakandisiya,

Jehovha achandigamuchira.

11Ndidzidzisei nzira yenyu, imi Jehovha;

ndisesedzei munzira yakarurama

nokuda kwavamanikidzi vangu.

12Regai kundisundira kuzvido zvavavengi vangu,

nokuti zvapupu zvenhema zvinondimukira,

vachifemedzeka nehasha.

13Ndichine chokwadi neizvi zvokuti:

ndichaona kunaka kwaJehovha

munyika yavapenyu.

14Rindira Jehovha;

iva nesimba,

utsunge mwoyo ugomirira Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help