Mapisarema 26 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 26Pisarema raDhavhidhi.

1Nditongerei, imi Jehovha,

nokuti ndakararama upenyu

husina chahungapomerwa;

ndakavimba naJehovha ndisingazungunuki.

2Ndiedzei, imi Jehovha, ndinzverei,

nzverai mwoyo wangu nendangariro dzangu;

3nokuti rudo rwenyu rwuri pamberi pangu nguva dzose,

uye ndinogara ndichifamba muzvokwadi yenyu.

4Handigari navanhu vanonyengera,

kana kufambidzana navanyengeri;

5ndinovenga ungano yavaiti vezvakaipa,

uye ndinoramba kugara navakaipa.

6Ndinoshamba maoko angu ndisina mhaka,

uye ndinofamba-famba paaritari yenyu, imi Jehovha,

7ndichiparidza rumbidzo yenyu nenzwi guru,

uye ndichireva zvamabasa enyu ose anoshamisa.

8Ndinoda imba yamunogara, imi Jehovha,

nzvimbo inogara kubwinya kwenyu.

9Regai kubatanidza mweya wangu navatadzi,

noupenyu hwangu navanoteura ropa,

10vana maoko akabata zvakaipa,

vazere nefufuro mumaoko avo orudyi.

11Asi ini ndinogara upenyu husina chahungapomerwa;

ndidzikinurei uye mundinzwire ngoni.

12Tsoka dzangu dzimire pakati chechetere;

ndicharumbidza Jehovha paungano huru.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help