Mapisarema 8 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 8Kumutungamiri wokuimba negititi. Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Makaisa kubwinya kwenyu

kudenga kumusoro.

2Pamiromo yavana navacheche

makaisa rumbidzo

nokuda kwavavengi venyu,

kuti munyaradze muvengi nomutsivi.

3Kana ndichifunga nezvamatenga enyu,

iro basa reminwe yenyu,

mwedzi nenyeredzi,

zvamakarongedza panzvimbo yazvo,

4munhu chiiko zvamunomufunga,

kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?

5Makamuita muduku zvishoma pana Mwari,

uye mukamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa.

6Makamuita mutongi pamusoro pebasa ramaoko enyu;

mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake:

7makwai ose nemombe,

nemhuka dzesango,

8neshiri dzedenga,

nehove dzegungwa,

zvose zvinofamba munzira dzomugungwa.

9Haiwa Jehovha, Ishe wedu,

zita renyu rakaisvonaka sei panyika yose!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help