Mapisarema 9 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 9Kumutungamiri wokuimba namaimbiro o“Kufa kwoMwanakomana.” Pisarema raDhavhidhi.

1Ndichakurumbidzai, imi Jehovha, nomwoyo wangu wose;

ndichataura pamusoro pezvishamiso zvenyu zvose.

2Ndichafara nokufarisisa mamuri;

ndichaimbira zita renyu nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusoro-soro.

3Vavengi vangu vanodzokera shure;

vanogumburwa uye vanoparara pamberi penyu.

4Nokuti makatsigira kodzero yangu nenyaya yangu;

makagara pachigaro chenyu choushe, muchitonga zvakarurama kwazvo.

5Makatuka ndudzi mukaparadza vakaipa;

makadzima zita ravo nokusingaperi.

6Kuparadzwa kusina magumo kwakakunda muvengi,

makadzura maguta avo;

kunyange chiyeuchidzo chavo chakaparara.

7Jehovha anotonga nokusingaperi;

akasimbisa chigaro chake choushe kuti atonge.

8Achatonga nyika nokururama;

achatonga marudzi nokururamisira.

9Jehovha ndiye nhare yavakamanikidzwa,

nhare yakasimba panguva yokutambudzika.

10Vanoziva zita renyu vachavimba nemi,

nokuti imi, Jehovha hamuna kumbosiya avo vanokutsvakai.

11Imbirai Jehovha nziyo dzokurumbidza,

iye agere pachigaro choushe muZioni; paridzai zvaakaita pakati pendudzi.

12Nokuti iye anotsiva ropa anorangarira;

haashayiri hanya kuchema kwavanotambudzwa.

13Haiwa Jehovha, onai kuti vavengi vangu vanonditambudza sei!

Ndinzwirei ngoni mundisimudze pamasuo orufu,

14kuti ndiparidze kurumbidzwa kwenyu

mumasuo oMwanasikana weZioni,

uye ndigofara muruponeso rwenyu.

15Ndudzi dzakawira mugomba radzakachera;

tsoka dzavo dzakabatwa nemimbure yavakaviga.

16Jehovha anozivikanwa nokururamisira kwake;

vakaipa vakateyiwa namabasa amaoko avo. Higayoni. Sera

17Vakaipa vanodzokera kuguva,

idzo ndudzi dzose dzinokanganwa Mwari.

18Asi vanoshayiwa havangagari vachikanganwikwa,

uye tariro yavanotambudzwa haingaparari.

19Simukai, Jehovha, munhu ngaarege kukunda;

ndudzi ngadzitongwe pamberi penyu.

20Varovei nokutyisa, imi Jehovha;

ndudzi ngadzizive kuti vanongova vanhu zvavo. Sera

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help