Mapisarema 7 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 7Rwiyo rwaDhavhidhi, rwaakaimbira Jehovha pamusoro paKushi, muBhenjamini.

1Haiwa Jehovha, Mwari wangu, ndinovanda mamuri;

ndiponesei uye mundirwire pane vose vanondidzinganisa,

2kuti varege kundibvambura seshumba

nokundibvambura-bvambura pasina anondinunura.

3Haiwa Jehovha, Mwari wangu,

kana ndichinge ndakaita izvi uye ndine mhosva pamaoko angu,

4kana ndakaita zvakaipa kuno uya akanga ane rugare neni

kana kupamba muvengi wangu pasina mhaka,

5ipapo muvengi wangu ngaandidzinganise andibate;

ngaatsike-tsike upenyu hwangu muvhu

uye andivatise muguruva.

6Simukai, imi Jehovha pakutsamwa kwenyu;

simukai murwise hasha dzavavengi vangu.

Simukai, Mwari wangu; rayirai kururamisira.

7Marudzi akaungana ngaaungane akakupoteredzai.

Vatongei imi muri kumusoro;

8Jehovha ngaatonge marudzi.

Nditongei, imi Jehovha, zvakafanira kururama kwangu,

zvakafanira kukwaniswa kwangu, imi Wokumusoro-soro.

9Haiwa, Mwari akarurama,

iyemi munonzvera ndangariro nomwoyo,

gumisai kuita nesimba kwavakaipa

mugoita kuti vakarurama vagare zvakanaka.

10Nhoo yangu ndimi Mwari Wokumusoro-soro,

iye anoponesa vane mwoyo yakarurama.

11Mwari ndiye mutongi akarurama,

iye Mwari anoratidza hasha dzake zuva nezuva.

12Kana munhu asingatendeuki,

iye acharodza munondo wake;

achakunga uta hwake agogadzirira.

13Agadzirira zvombo zvake zvinouraya;

anozvigadzirira miseve yake inopisa.

14Iye ane mimba yezvakaipa

akatakura mimba yokutambudzika achabereka nhema.

15Uyo anochera gomba,

akaridzikisa achawira mugomba raachera.

16Zvakashata zvake zvichadzokera pamusoro wake;

uye kumanikidza kwake kuchauya pamusoro wake.

17Ndichatenda Jehovha nokuda kwokururama kwake,

uye ndichaimbira zita raJehovha Wokumusoro-soro nziyo dzokurumbidza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help