Mapisarema 6 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 6Kumutungamiri wokuimba nemitengeranwa. Nesheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, regai kundirayira mukutsamwa kwenyu,

kana kundiranga muhasha dzenyu.

2Ndinzwirei ngoni, Jehovha, nokuti ndava kuziya;

haiwa Jehovha, ndiporesei, nokuti mapfupa angu ava kurwadza.

3Mweya wangu uri kurwadziwa.

Haiwa Jehovha, kusvikira riniko, kusvikira riniko?

4Dzokai, imi Jehovha, mugondirwira;

ndiponesei nokuda kworudo rwenyu rusingaperi.

5Hakuna anokurangarirai kana afa.

Ndiani anokurumbidzai kubva muguva?

6Ndaneta nokugomera;

ndinonyorovesa mubhedha wangu nemisodzi ndichichema usiku hwose,

ndinonyorovesa uvato hwangu nemisodzi.

7Meso angu aneta nokuchema;

haachaoni nokuda kwavavengi vangu vose.

8Ibvai pandiri, imi mose munoita zvakaipa,

nokuti Jehovha anzwa kuchema kwangu.

9Jehovha anzwa kukumbira kwangu nyasha;

Jehovha anogamuchira munyengetero wangu.

10Vavengi vangu vose vachanyadziswa uye vachavhundutswa;

vachadzokera shure pakarepo mukunyadziswa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help