Mapisarema 5 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 5Kumutungamiri wokuimba. Nenyere. Pisarema raDhavhidhi.

1Rerekerai nzeve yenyu kumashoko angu, imi Jehovha.

Rangarirai chikumbiro changu.

2Teererai inzwi rokuchema kwangu,

Mambo wangu naMwari wangu,

nokuti ndinonyengetera kwamuri.

3Mangwanani, munonzwa inzwi rangu, imi Jehovha;

mangwanani ndinoisa zvikumbiro zvangu pamberi penyu

uye ndichimirira netariro.

4Imi hamusi Mwari anofarira zvakaipa;

munhu akaipa haangagari nemi.

5Munhu anozvikudza haangamiri pamberi penyu;

munovenga vose vanoita zvakaipa.

6Munoparadza vose vanoreva nhema;

vanoteura ropa navanhu vanonyengera,

Jehovha anovasema.

7Asi ini, nenyasha dzenyu huru,

ndichapinda mumba menyu;

norukudzo, ndichakotamira pasi pamberi penyu,

ndakatarira kutemberi yenyu tsvene.

8Nditungamirirei, imi Jehovha,

mukururama kwenyu nokuda kwavavengi vangu,

ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.

9Hakuna shoko rinobva mumuromo mavo ringavimbwa naro;

mwoyo yavo izere nokuparadza.

Huro dzavo iguva rakashama;

vanotaura zvinonyengera norurimi rwavo.

10Haiwa Mwari, vapei mhosva!

Ngavawisirwe pasi nerangano dzavo.

Vabvisei nokuda kwezvivi zvavo zvizhinji,

nokuti vakakumukirai.

11Asi vose vanovanda mamuri ngavafare;

ngavagare vachiimba nomufaro.

Tambanudzirai pamusoro pavo kudzivirira kwenyu,

kuitira kuti vaya vanoda zita renyu vafare mamuri.

12Nokuti zvirokwazvo, imi Jehovha, munoropafadza vakarurama;

munovakomberedza nenyasha dzenyu sokunge nenhoo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help