Mapisarema 4 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 4Kumutungamiri wenziyo nemitengeranwa. Pisarema raDhavhidhi.

1Ndipindurei pandinodana kwamuri,

imi Mwari wangu makarurama.

Ndisunungurei pakutambudzika kwangu;

ndinzwirei ngoni uye munzwe munyengetero wangu.

2Nhai imi vanhu, muchashandura kukudzwa kwangu kukava chinyadziso kusvikira riniko?

Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko? Sera

3Zivai kuti Jehovha akazvitsaurira vanomuda;

Jehovha achandinzwa pandinodana kwaari.

4Pakutsamwa kwenyu, regai kutadza;

pamunenge muri pamibhedha yenyu,

nzverai mwoyo yenyu uye munyarare. Sera

5Ipai zvibayiro zvakarurama

uye muvimbe naJehovha.

6Vazhinji vanobvunza vachiti, “Ndianiko angatiratidza chakanaka?”

Chiedza chechiso chenyu ngachipenye pamusoro pedu, imi Jehovha.

7Makazadza mwoyo wangu nomufaro mukuru

kupfuura zviyo zvavo newaini yavo itsva yakawanda.

8Ndichavata pasi ndigokotsira norugare,

nokuti imi moga, Jehovha,

munoita kuti ndigare pakasimba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help