Mapisarema 3 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 3Pisarema raDhavhidhi. Panguva yaakatiza Abhusaromu mwanakomana wake.

1Haiwa Jehovha, vadzivisi vangu vakawanda sei!

Vakawanda sei vanondimukira!

2Vazhinji vanoti kwandiri,

“Mwari haangamudzikinuri.” Sera

3Asi imi Jehovha, muri nhoo yakandipoteredza;

munoisa rukudzo pandiri uye munosimudza musoro wangu.

4Kuna Jehovha ndinodana nenzwi guru,

uye anondipindura ari pagomo rake dzvene. Sera

5Ndinovata pasi ndigokotsira;

ndinomukazve, nokuti Jehovha anonditsigira.

6Handizotyi makumi ezviuru

vakandikomba kuti vandirwise.

7Simukai, imi Jehovha!

Ndirwirei, imi Mwari wangu!

Rovai vavengi vangu vose pashaya;

gurai meno avakaipa.

8Rusununguko runobva kuna Jehovha.

Maropafadzo enyu ngaave pamusoro pavanhu venyu. Sera

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help