Mapisarema 147 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 147

1Rumbidzai Jehovha.

Zvakanaka sei kuimbira Mwari wedu nziyo dzokurumbidza,

zvinofadza uye zvakafanira sei kumurumbidza!

2Jehovha anovaka Jerusarema;

anounganidza vakadzingwa vaIsraeri.

3Anoporesa vane mwoyo yakaputsika,

uye anosunga maronda avo.

4Anotara kuwanda kwenyeredzi,

anodana imwe neimwe nezita rayo.

5Ishe wedu mukuru uye ane simba guru;

kunzwisisa kwake hakuperi.

6Jehovha anotsigira vanozvininipisa,

asi anowisira pasi vakaipa.

7Imbirai Jehovha nokuvonga;

muimbire Mwari wedu nziyo dzokurumbidza nembira.

8Anofukidza denga namakore;

anopa nyika mvura,

uye anomeresa uswa pazvikomo.

9Anopa mombe zvokudya

navana vamakunguo pavanochema.

10Mufaro wake hausi musimba rebhiza,

uye mufaro wake hausi pamakumbo omunhu;

11Jehovha anofadzwa naavo vanomutya,

vanoisa tariro yavo parudo rwake rusingaperi.

12Kudza Jehovha, iwe Jerusarema;

rumbidza Mwari wako, iwe Zioni,

13nokuti anosimbisa mazariro amasuo ako,

uye anoropafadza vanhu vako vari mauri.

14Anopa rugare pamiganhu yako,

uye anokugutsa nezviyo zvakaisvonaka.

15Anotuma murayiro wake kunyika;

shoko rake rinomhanya kwazvo.

16Anowarira chando samakushe amakwai,

uye anoparadzira chando samadota.

17Anokanda chimvuramabwe pasi sezvimedu.

Ndianiko angamira kana chando chake charova?

18Anotuma shoko rake rigozvinyungudisa;

anomutsa mhepo yake, mvura zhinji igoerera.

19Akazarurira Jakobho shoko rake,

mirayiro yake nezvirevo zvake kuna Israeri.

20Haana kumboita izvi kuno rumwe rudzi;

havazivi mirayiro yake.

Rumbidzai Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help