Mapisarema 146 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 146

1Rumbidza Jehovha.

Rumbidza Jehovha, iwe mweya wangu.

2Ndicharumbidza Jehovha mazuva ose oupenyu hwangu;

ndichaimbira Mwari wangu nziyo dzokurumbidza ndichiri mupenyu.

3Regai kuvimba namachinda,

navanhu vanofa, vasingagoni kuponesa.

4Mweya yavo painoenda, ivo vanodzokera kuvhu;

pazuva racho iroro urongwa hwavo hunova pasina.

5Akaropafadzwa munhu uyo ano mubatsiri wake Mwari waJakobho,

tariro yake iri muna Jehovha Mwari wake,

6Muiti wedenga nenyika,

gungwa uye nezvose zviri mariri, iye Jehovha,

anogara akatendeka nokusingaperi.

7Anomiririra zvinodiwa nevakadzvinyirirwa,

uye anopa zvokudya vane nzara.

Jehovha anosunungura vasungwa.

8Jehovha anosvinudza mapofu,

Jehovha anosimudza avo vakakotamiswa pasi,

Jehovha anoda vakarurama.

9Jehovha anorinda vatorwa

uye anoriritira nherera nechirikadzi,

asi anokonesa nzira dzavakaipa.

10Jehovha anotonga nokusingaperi,

Mwari wako, iwe Zioni, kuzvizvarwa zvose.

Rumbidza Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help