Mapisarema 143 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 143Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, inzwai munyengetero wangu,

ndinzwirei ngoni pakuchema kwangu;

uyai mundisunungure nokutendeka

uye nokururama kwenyu.

2Musauyisa muranda wenyu mukutongwa,

nokuti hakuna mupenyu akarurama pamberi penyu.

3Muvengi anondidzinganisa,

anondirovera pasi;

anondiita kuti ndigare murima

savaya vakafa kare.

4Saizvozvo mweya wangu unoziya mukati mangu;

mwoyo wangu unovhundutswa mukati mangu.

5Ndinorangarira mazuva akare kare;

ndinofungisisa pamusoro pamabasa enyu ose,

uye ndinofunga zvakaitwa namaoko enyu.

6Ndinotambanudzira maoko angu kwamuri;

mweya wangu unokushuvai senyika yakaoma. Sera

7Haiwa Jehovha, kurumidzai kundipindura;

mweya wangu woziya.

Regai kundivanzira chiso chenyu

nokuti ndingazova savaya vakaburukira mugomba.

8Mangwanani ngaandivigire shoko rorudo rwenyu rusingaperi,

nokuti ndinovimba nemi.

Ndiratidzei nzira yandinofanira kufamba nayo,

nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri.

9Ndinunurei kubva kuvavengi vangu, imi Jehovha,

nokuti ndinozvivanza mamuri.

10Ndidzidzisei kuita kuda kwenyu,

nokuti muri Mwari wangu;

mweya wenyu wakanaka

ngaunditungamirire panzira yakati chechetere.

11Haiwa Jehovha, chengetedzai upenyu hwangu nokuda kwezita renyu;

ndibudisei panhamo, mukururama kwenyu.

12Nyaradzai vavengi vangu, murudo rwenyu rusingaperi;

paradzai vavengi vangu vose,

nokuti ndiri muranda wenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help