1Ndinodanidzira nenzwi guru kuna Jehovha;
ndinosimudzira inzwi rangu kuna Jehovha, kuti andinzwire nyasha.
2Ndinodurura kugununʼuna kwangu pamberi pake;
ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake.
3Mweya wangu paunoziya mandiri,
imi ndimi munoziva nzira yangu.
Munzira mandinofamba,
vanhu vakandivanzira misungo.
4Tarirai kurudyi rwangu mugoona;
hakuna ane hanya neni.
Handina utiziro;
hakuna ane hanya noupenyu hwangu.
5Ndinochema kwamuri, imi Jehovha; ndinoti,
“Ndimi utiziro hwangu,
nomugove wangu munyika yavapenyu.”
6Teererai kuchema kwangu,
nokuti ndiri pakushayiwa kukuru;
ndinunurei kuna avo vanondidzinganisa,
nokuti vanondikurira simba.
7Ndibudisei mutorongo,
kuti ndirumbidze zita renyu.
Ipapo vakarurama vachandipoteredza
nokuda kwokunaka kwenyu kwandiri.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.