Mapisarema 130 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 130Rwiyo rworwendo.

1Ndinodanidzira kwamuri Jehovha,

ndiri pakadzika;

2haiwa Jehovha, inzwai inzwi rangu.

Nzeve dzenyu ngadzinzwe kuchemera kwangu ngoni.

3Dai imi, iyemi Jehovha, maironda zvakaipa zvomunhu,

haiwa Jehovha, ndianiko aimira?

4Asi kwamuri kune kukanganwira;

naizvozvo imi munotyiwa.

5Ndinomirira Jehovha, mweya wangu unomirira,

uye tariro yangu iri mushoko rake.

6Mweya wangu unorindira Ishe

kupfuura varindi

vanomirira rungwanani.

7Haiwa Israeri, isa tariro yako muna Jehovha,

nokuti Jehovha ane rudo rusingaperi

uye kwaari kune dzikinuro izere.

8Iye pachake achadzikinura Israeri

kubva pazvivi zvavo zvose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help