Mapisarema 129 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 129Rwiyo rworwendo.

1Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,

Israeri ngaati,

2“Vakandidzvinyirira zvikuru kubva pauduku hwangu,

asi havana kundikunda.

3Varimi vakarima musana wangu

vakaita miforo yavo mirefu.”

4Asi Jehovha akarurama,

akandisunungura pamabote avakaipa.

5Vose vanovenga Zioni

ngavadzorerwe shure nenyadzi.

6Ngavaite souswa pamusoro pedenga remba,

hunooma husati hwakura;

7mukohwi haangazadzi maoko ake nahwo,

uye anounganidza haangazadzi maoko ake.

8Vanopfuura nepo ngavarege kuti,

“Maropafadzo aJehovha ngaave pamusoro pako;

tinokuropafadza muzita raJehovha.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help