Mapisarema 126 - Shona Contemporary Bible(SCB)

Pisarema 126Rwiyo rworwendo.

1Jehovha paakadzosa vatapwa kuZioni,

takanga tava savanhu vairota.

2Miromo yedu yakanga izere nokuseka,

ndimi dzedu dzizere nenziyo dzomufaro.

Ipapo zvakanzi pakati pendudzi,

“Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru.”

3Jehovha atiitira zvinhu zvikuru,

uye tazara nomufaro.

4Tidzorereizve nhaka yedu, imi Jehovha,

sehova dzeNegevhi.

5Avo vanodyara nemisodzi

vachakohwa nenziyo dzomufaro.

6Uyo anobuda achichema,

akatakura mbeu yokudyara,

achadzoka nenziyo dzomufaro,

akatakura zvisote.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help